Sunday, April 29, 2012
Ndakaregereswa doro nembwa
Nyaya yekuda doro kudarika mukadzi wangu nevana yakazondiparira. Ndakaregera doro, asi chakandiregeresa doro imbwa. Ndichiri kuyeuka kuti ndakanga ndashaudha mukadzi wangu nekuda kuita mupurisa wangu. Mukadzi wangu akanga ave kunditadzisa kunwa doro rangu ndakasununguka. Kuitawo here ikoko, kuti pano nepano message yapinda mufoni, “Muri kuuya nguvai?” kana kuti, “Muri kubvunzwa nemwana kuti muchasvika nguvai?” Ko ndini here ndine makey ehope dzavo?
Mukadzi wangu akazopedzisira anyarara, aona kuti nyaya yekuti ndirambane nedoro haiite. After all iye ndiye mainini vakazouya mushure. Ini ndakatanga kuda doro, ndikatochata nedoro iye akazouya mumashure. Handiti kana pandakamunyenga ndakanga ndakadhakwa, ndichitobatsirwa nedoro, saka chii chingazoita kuti ndimborega kunwa doro iro riri iro peturu neshamwari yangu?
Rimwe zuva mudzimai wangu akati, “MuRungu watinoshanda naye ave kudzokera kunyika kwake, saka ari kutengesa zvinhu.” Takaenda tese kunoona zvinhu zvaitengeswa nemuRungu, tikatenga izvo nezvozvo. Asi tapedza kutenga, nekuti ini ndakanga ndakamirirwa naMaiguru Doro, ndakasiya mudzimai wangu achironga zvekutakura zvinhu kuti zviende kumba. Musi uyu waive musi weChishanu. Chishanu ndiro zuva chairo rekudhakwa nekuti unoziva kuti uneMugovera neSvondo uchifadzwa nedoro.
Nemusi weChishanu uyu, ndakazosvika kumba kuma11 husiku. Ndakawana mhuri yese yarara. Ndakapinda mukicheni, ndikatambirwa nembwa chena, yakanaka. Ndakashamisika kuti ndakaona runako rwembwa iyi, nekuti nguva zhinji handione runako rwezvinhu zvine makumbo mana kunze kwekunge iri motokari. Ndakashaya kuti imbwa iyi yakanga yabva kupi. Kana nedoro randakanga ndanwa rakambopera zvishoma. Ndakati, asi ndapinda mumba musirimo? Nekuti kunze kwembwa, mumba medu makanga marongedzwa patsva nezvinhu zviye zvakanga zvatengwa kumuRungu.
Imbwa iye yakanga ichindifarira, asi ini ndakanga ndisiri kuda kuti iswedere pedyo neni. Saka ndakafambisa ndichiisiya kumashure ndichienda kubhedhurumu. Ndakasvikomutsa mudzimai wangu ndikati, “Iwe, imbwa iyo ndeyani uye iri kudei mumba?” Mudzimai wangu akati, “Maswera sei daddy? Imbwa taipihwa naMargaret kumuRungu kuye kwatatenga zvinhu. Vana venyu vari kuifarira chaizvo uye inotamba navo zvakanaka. Yakatireinwa chaizvo.” Ndakatura befu ndikati, “Asi handidi kuti igare mumba. Mutenge chimba chembwa, imbwa yenyu igare nekurara panze.”
Zuva rakatevera, uri musi weMugovera ndakaenda zvangu kunonwa ndikasiya mudzimai nevana vachifara nembwa yavo Ranger. Kutaura chokwadi, ndakanzwa jerasi nekuti ndakaona sekuti vakanga vachida imbwa kundidarika. Ndakati rega ndigoona kuti zvinopera sei. Ndakanohunwa chaizvo zvekuti kana boys dzangu dzakanga dzave kundityira kuti ndichakwanisa kudhiraivha mota ndikasvika kumba zvakanaka here. Asi ndakadhiraivha, ndikasvika kumba. Ndasvika pamba, ndakabuda mumota kuti ndinovhura gedhi. Ndakavhura gedhi, ndichibva ndadzokera mumota. Chandisina kuziva ndechekuti pandakavhura door remota, Ranger, imbwa yemuRungu iye yakanga yanopinda mumota nedoor rangu radhiraivha randakanga ndasiya rakashama, ikanogara kumashure kwemota. Ndizvo zvayakanga yajaira kumba kwayo. Saka ini ndakapinda mumota ndikasimudza mota kuti ndiipinze mukati. Mota yapinda mukati, ndakatsika mabhureki kuti ndichidzokera kunovhara gedhi. Asi ndakatsikisa mabhureki zvekuti kana neniwo ndakasaidzirwa kumberi nesimba remota. Ipapo, Ranger yakanga yakagara kusiti rekumashure, yakasaidzirwa kumberi ikasvikowira pamakumbo angu ichichema. Ini semunhu akanga achifunga kuti ndiri ndega mumota, ndakarohwa nehana zvekuti ndakaridza mhere ndichitiza kubva mumota makanga mapinda “chinhu.”
Ndakangobuda ndichimhanya nemugwagwa ndichibararadza zvekuti vanhu vazhinji vakamuka vachifunga kuti ndiri kurwiswa nematsotsi. Asi chakazoita kuti ndifende ndechekuti, pandakabuda ndichitiza nemugwagwa, chinhu chandakanga ndichitiza chiye, chakatanga kunditevera chichindimhanyisa. Ipapo ndakabva ndangofenda. Pandakazomuka ndave mumba, vanhu vachinditsanangurira zvakanga zvaitika, ndakanyara kudarika imbwa yaKapfupi yakwira bhazi. Ndakabva ndaregera kunwa doro. Ranger ndiyo yave shamwari yangu, uye ndave kuwana nguva yekutandara nevana nemudzimai wangu.
I owe God $666.41c
Saturday, November 5, 2011
Mari naMwari
Mari kamwari kanopa manyemwe.
Mari kamwari kanotsvaga kunamatwa,
Kachisurudza nekusudurudza hunhu
Kachipa hukama hwedu naMwari mavende!
Friday, August 5, 2011
Tsamba yauya nenhunzi

Ndakanzwa mumwe murimi achiti akanga achichengeta huku kumapurazi ari kunze kweguta. Akati iye pane nguva yaakatanga kuita dambudziko rekuti makava akanga ave kupota achiuya kuzoba huku dzake. Anoti akamboedza kugarira achiadzinga, asi zvaisakwanisika uti ange aripo nguva dzese. Asi anoti nerimwe zuva, akaona gava rakanga ratosvika muchivanze richinyahwaira kuenda kunoba huku. Anoti iye akanzwa hasha dzakanyanyisa zvekuti akati kugava riye, “Iwe! Mira ipapo, uri kuda kuitei? Ibva pano uye usadzoke zvakare!”
Gava riye zvechokwadi rakabva rafuratira rikatiza, asi kubva musi iwoyo zvichienda mberi, murimi uyu anoti haana kana gava rakazombodzoka kuzoba huku dzake. Zvinoshamisa handiti? Pane chinhu chakadzidzwa nemurimi uyu, “mhuka dzinonzwa kana ukataura nadzo.”
Ichokwadi kuti mhuka dzinonzwa zvatinotaura asi kungoti nguva zhinji isu sevanhu hatitaure nadzo, uye kana tichitaura nadzo, tinotaura matauriro asina kutenda kuti zvandataura mhuka iyi ichazvinzwa. Pane nyaya yaMusande Francis akasvika mune mumwe musha kuItari akawana vanhu vemo vatambudzwa zvikuru negava rakanga richidya vanhu zvese nezvipfuyo nekuti kwakanga kwaita nzara huru. Francis anonzi akaenda akanotsvaga gava riye, vanhu vachimutevera vachiti achaurayiwa. Asi paakapida musango, achibva asangana negava riye, anonzi pamberi pevanhu vese vakanga vamutevera, akati kugava, “Mukoma gava, ndinokurairai nezita raJesu kuti murege zvakaipa zvamuri kuita.” Gava rinonzi rakarara pasi. Francis akaramba achitaura naro kusvikira ati kugava, ngatibatane mawoko sechibvumirano chataita. Gava rinonzi rakasimudza gumbo raro rerudyi rikaisa muruwoko rwaFrancis.
Ndinoziva pakawanda pakataurwa nemhuka dzichiteerera. Nowa muBhaibheri akatuma njiva kunotarisa kuti mvura yapera here. Barami akarova dhongi rake rikataura kuti muri kundiroverei, handikwanise kufamba nekuti pamberi pangu pane mutumwa waMwari. Hove yakamedza Jona yakaudzwa kwekunomurutsira. Kana nemuwonde wakanga usingabereke wakatukwa naJesu, wakabva wawoma.
Neniwo sekuru vangu vakanga vane mbwa yavo yainzi Remandini yaitamba nevana sekunge yaive munhu, uye yaitumwa zvinhu ichiita nemazvo. Kana kufudza mombe yaifudza zvakanaka iri yega. Sekuru vangu vakanga zvakare vane mombe yavo yaiteerera yainzi Sarukazi. Sarukazi yaishevedzwa nezita youya kumba. Yaiti kana yasungwa pajoki, vaiiudza kuti iende kuchigayo, yaiita zvayaudzwa isina munhu.
Muhupenyu hwedu, tine zvinhu zvizhinji zvinoratidza hukuru hwaMwari, asi isu vanhu hatina han’ya nazvo. Tsamba yaPauro kuVaRoma 1:20 inoti “Nekuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwe, iro simba rake risingaperi nehuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.”
Ngatimbomira kumhanyisa hurongwa hwedu sevanhu titarise kuti Mwari vari kuti kudii muhupenyu hwedu. Nhunzi chaiyo yakumhara inogona kunge ine tsamba yako yauri kufanirwa kuverenga. Inogona kunge yamhara pauri nekuti wazorwa tsvina yauri kufanirwa kugeza!
Saturday, July 2, 2011
Ndichakuroora nenzou, ndisashore runako rwako

Kana panotaurwa nyaya dzevaroyi nenyoka dzavo, iwe uchiwanikwa uchiteerera nekuda kuzivisisa nekunzwisisa, uchenjere kuti mauri munogona kunge mune mhodzi yahuroyi yakamirira kutumbuka. Uchenjere kuti kufarira kuteerera nyaya dzemapere, mazizi, rima, makuva nenyoka kunokuswededza muzvinhu izvozvo. Uchenjere kuti pauchazosangana nenyoka chaiyo inofamba, vamwe vanogona kukanuka vakatiza, asi iwe unenge uchida kunyatsoicherechedza nekuiyeva.
Nzeve inzenza! Nzeve dzakapusa sesadza rinodyiwa risingambotiza, nyangwe richizviona kuti riri kutopera. Nzeve dzinongobvuma kunzwa zvese zvese, nyangwe zvemanyepo. Dai nzeve dzakafanana nemaziso, waikwanisa kuti panotaurwa zvausingade kunzwa iwe udzivhare, zvino kufanana nemhuno, nzeve hadzivharike. Asi zvino kana nzeve dziri nzenza tongodzisiya here dzichitiendesa murufu? Todzisiya here dzichiudzwa zvemanyepo kuti, “Kana ukandida ndichakuroora nenzou, nekuti ndikakuroora nemombe ndashora runako rwako!”
Pane nguva dzatinorega vanhu vachitikwidza ndege dzemashanga, dzimwe dzacho dzichitobhururuka, asi dzozotidonhedza. Ndine vanhu vakawanda vandakanzwa vachisekenyedzwa nekuudzwa kuti pane dhiri rine mari, kana iwe ukadai ndinozokupinzawo mariri. Kune vanhu vanoshamisa, vanoti kana vachinge vanzwa panzi pachabuda mari svinu, havamirire kubvunza ari kuvaudza izvozvo kuti, “Sei wasarudza inini iwe une hama neshamwari dzakawanda?” Kazhinji kana tikanzi pane dhiri rekuti iwe ukandipa mari ichadzoka yawanda, vazhinji tinovhara maziso tomedza chirauro chemunhu ari kuredza nemanyepo uyu!
Kune vanhu vane zvipo zvekutaura, asi chipo chekutaura chinoda kuchenjererwa nekuti mukutaurisa mune dzimba zhinji dzekuti manyepo awane pekuroja. Kutaurisa kunopa mukana wekuti usazive pekumirira. Kutaurisa kunovhara pfungwa semuvharo wepoto kuti dzimbomira kufunga. Chenjerera vanhu vanotengesa, nekuti chavari kutsvaga imari, asi iwe wofunga kuti vari kundiudza zvakanakira chinhu chavari kunditengesera. Ibasa ravo kuti vatengese, zvekuti kana zvichireva kuti vakunyepere vachatokunyepera.
Ndati panotaurwa nyaya dzakarerekera kune zvimwe zvinhu, iwe ukawana nzeve dzako dzichifarira nekusekenyedzwa nenyaya idzodzo, ziva kuti uri pedyo nekupinda mazviri. Zvinhu zvizhinji zvinotanga nekuteerera usati wazvizama, nekuti paye paunenge uchiteerera, zvinenge zvichikuwaridzira mubhedha wekuti iwe urare. Imbocherechedza uone kuti zvinhu zvaunopedza nguva yakareba uchinzwa, zvinopedzisira zvave kuzivikanwa nemwoyo wako. Kana kubasa kwako kune munhu anofaririra kutaura nyaya dzekudhakwa, ukamusiya achikuparidzirai vhangeri rake rekwaakanga achinwira musi weMugovera neSvondo, uchaona kuti nyaya dzake dzichatanga kuwana nzvimbo mamuri.
Satani akasvika kunaEvha nemashoko. Dai Evha akanga ane nzeve dzisiri nzenza sesu tese, dai akati kunyoka, “Kubvira riinhi iwe uchitsanangura mashoko akataurwa naMwari? Ibva pano kana kuti ini ndave kushevedza Adhamu naMwari.” Asi kufanana neni newe, Evha akasiya nyoka ichimuvhurira DSTV yekutadza nekufa, Evha akafadzwa nayo. Izvi zvakaitika kare kare, asi tinoona kuti Satani haashandure mashandiro ake. Jesu apedza kutsanya, Satani akasvika zvakare nemashoko ekuti nzeve dzaJesu dzinzwe. Satani akatanga kuvimbisa Jesu hushe hwepanyika pano nefashoni yese, nemari yese, nekudya kwese, nemota dzese, netekinoloji yese – kana Jesu akange amunamata. Asi nekuti Jesu aiziva kuti mukunzwa mashoko aSatani, nekuzoratidzwa “bling bling!” yese, paive nerufu rwakavanzwa muzvinhu izvi. Saka Jesu akati kuna Satani, “Ibva kwandiri…” Dai neniwo ndagona kuramba kuteerera mashoko evanotsvaga kunditengesera zvinhu zviri munyika. Dai nzeve dzangu nemwoyo wangu zvaramba chipfambi nenyika nezvinhu zvayo. Ko munhu achagobatsirwa neiko kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?
Thursday, March 31, 2011
Did you?
"The Bible doesn't teach you to follow rules. It is a picture of Jesus. While words may tell you what God is like and even what he may want from you, you cannot do any of it on your own. Life and living is in him and no other. My goodness, you didn't think you could live the righteousness of God on your own, did you?"
From The Shack by William P. Young
Thursday, March 3, 2011
Everything kills
Subscribe to:
Posts (Atom)


