Friday, August 5, 2011

Tsamba yauya nenhunzi


Ndakanzwa mumwe murimi achiti akanga achichengeta huku kumapurazi ari kunze kweguta. Akati iye pane nguva yaakatanga kuita dambudziko rekuti makava akanga ave kupota achiuya kuzoba huku dzake. Anoti akamboedza kugarira achiadzinga, asi zvaisakwanisika uti ange aripo nguva dzese. Asi anoti nerimwe zuva, akaona gava rakanga ratosvika muchivanze richinyahwaira kuenda kunoba huku. Anoti iye akanzwa hasha dzakanyanyisa zvekuti akati kugava riye, “Iwe! Mira ipapo, uri kuda kuitei? Ibva pano uye usadzoke zvakare!”

Gava riye zvechokwadi rakabva rafuratira rikatiza, asi kubva musi iwoyo zvichienda mberi, murimi uyu anoti haana kana gava rakazombodzoka kuzoba huku dzake. Zvinoshamisa handiti? Pane chinhu chakadzidzwa nemurimi uyu, “mhuka dzinonzwa kana ukataura nadzo.”

Ichokwadi kuti mhuka dzinonzwa zvatinotaura asi kungoti nguva zhinji isu sevanhu hatitaure nadzo, uye kana tichitaura nadzo, tinotaura matauriro asina kutenda kuti zvandataura mhuka iyi ichazvinzwa. Pane nyaya yaMusande Francis akasvika mune mumwe musha kuItari akawana vanhu vemo vatambudzwa zvikuru negava rakanga richidya vanhu zvese nezvipfuyo nekuti kwakanga kwaita nzara huru. Francis anonzi akaenda akanotsvaga gava riye, vanhu vachimutevera vachiti achaurayiwa. Asi paakapida musango, achibva asangana negava riye, anonzi pamberi pevanhu vese vakanga vamutevera, akati kugava, “Mukoma gava, ndinokurairai nezita raJesu kuti murege zvakaipa zvamuri kuita.” Gava rinonzi rakarara pasi. Francis akaramba achitaura naro kusvikira ati kugava, ngatibatane mawoko sechibvumirano chataita. Gava rinonzi rakasimudza gumbo raro rerudyi rikaisa muruwoko rwaFrancis.

Ndinoziva pakawanda pakataurwa nemhuka dzichiteerera. Nowa muBhaibheri akatuma njiva kunotarisa kuti mvura yapera here. Barami akarova dhongi rake rikataura kuti muri kundiroverei, handikwanise kufamba nekuti pamberi pangu pane mutumwa waMwari. Hove yakamedza Jona yakaudzwa kwekunomurutsira. Kana nemuwonde wakanga usingabereke wakatukwa naJesu, wakabva wawoma.

Neniwo sekuru vangu vakanga vane mbwa yavo yainzi Remandini yaitamba nevana sekunge yaive munhu, uye yaitumwa zvinhu ichiita nemazvo. Kana kufudza mombe yaifudza zvakanaka iri yega. Sekuru vangu vakanga zvakare vane mombe yavo yaiteerera yainzi Sarukazi. Sarukazi yaishevedzwa nezita youya kumba. Yaiti kana yasungwa pajoki, vaiiudza kuti iende kuchigayo, yaiita zvayaudzwa isina munhu.

Muhupenyu hwedu, tine zvinhu zvizhinji zvinoratidza hukuru hwaMwari, asi isu vanhu hatina han’ya nazvo. Tsamba yaPauro kuVaRoma 1:20 inoti “Nekuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwe, iro simba rake risingaperi nehuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.”

Ngatimbomira kumhanyisa hurongwa hwedu sevanhu titarise kuti Mwari vari kuti kudii muhupenyu hwedu. Nhunzi chaiyo yakumhara inogona kunge ine tsamba yako yauri kufanirwa kuverenga. Inogona kunge yamhara pauri nekuti wazorwa tsvina yauri kufanirwa kugeza!