Thursday, February 20, 2014

Handisi Imbwa yemunhu

Izvi ndizvo zvandaida kutaura pandakapihwa mubairo webhuku rangu Imbwa yemunhu kuNAMA, asi ndakazodzoka ndopererwa nezvekutaura.

Zvinopera hazvipere kupera.

Unogona kupererwa nemashoko seni kuNAMA,

Nekuti Imbwa yasimudza mukombe...

Unogona kupererwa nehupfu,

Ugopererwa nehope nyangwe une magumbze.

Kana zvadaro,

Mazano ese anopera semvura yekanzuru,

Zvekuti kana newe wacho unopererwa!

Asi nyangwe wapererwa zvekushaya njere,

Usapererwe naMwari nehunhu,

Zvekusvika pakunzi Imbwa yemunhu!