Wednesday, September 26, 2012

Muchechi mazara vapoteri

Vatendi vagari venyika inonzi Kristu. Vagari venyika inonzi Kristu vanonzi maKristu, havanzi maRoma, mapositori, maDhachi kana mamwe mazita emachechi. MaKristu vane simba nekodzero dzavo dzinongowanikwa chete kana vachigara munyika iyi inonzi Kristu. MaKristu ane zvitupa, mapasipoti, mapasswords nemasimba anoenderana nekuve vagari venyika inonzi Kristu nekuti “vose vakatenda kunaKristu, Mwari akavapa simba rekuti vanzi vana vake.” Kana maKristu akabuda munyika inonzi Kristu, kureva kuti kana akasagara muna Jesu nemashoko aJesu asingagare mavari, maKristu anenge ave vatorwa kuna Jesu, uye kukumbira kwavo kana vari vatorwa vasingazivikanwe naJesu, vasina identity munaJesu kunenge kusina simba (authority) nekuti havasi vake, vanenge vari vatorwa. Kune imwe nzvimbo vamwe vana vemumwe muprista vakada kuzviita vagary venyika inonzi Jesu ndokuedza kuraira mweya wakaipa nezita raJesu kuti ubude, asi mweya wakaipa wakavaudza kuti waiziva kuti Jesu ndiani, asi wakanga usingazive vanhu ava vakanga vachida kuudzinga vachishandisa zita raJesu. Nhasi uno vazhinji vedu tave vanhu vekuda kuonekwa sekunge tiri vagari vemunyika inonzi Jesu, asi isu tisina hukama naye, tisingazivikanwe naye. Tave vapoteri vasinei nezvenyika inonzi Jesu iyi nekuti tinoziva kuti tine imwe nyika yatakabva kwairi, uye yatichadzokera kwairi nekuti ndiyo nyika ine mutauro wedu, tsika dzedu nehunhu hwedu, kwete nyika yatakapotera iyi. Vapoteri vemunyika inonzi Jesu havanei nekuzvipira muzvinhu zvenyika iyi nekuti haisi nyika yavo. Vakauya munyika inonzi Jesu iyi kuti vangowana zvavari kuda, kana zvangoita vobva vadzokera kwavo chaiko. Tave nemaKristu anovimba nechechi namufundisi wavo kudarika Kristu. Tave nemaKristu anovimba nemari yavo kudarika Jesu. Tave nemaKristu anovimba neyunifomu nekungopotsera-potsera mashoko ane chekuita naMwari – vachiti hameni, Ishe ngavakudzwe asi mwoyo yavo isinei naKristu. MaKristu nhasi ave kutsvaga kushandisa chechi kuti vatsige nekugamuchirika munyika. Asi kana Kristu ari nyika yatinogara, hunhu hwedu haufanirwe kushanduka nekuda kwenzvimbo serwaivhi. Nechikonzero ichi, Kristu wacho, muridzi wenyika yazara vapoteri ari kuti ndinozviziva kuti munyika mangu mazara vapoteri vasinei neni, vasinganzwe mwoyo yavo kupisira ini uye vanondida kana pane zvavanongoda kwandiri. Ari kuti regai zvikurirane sora nezviyo – ndichazozvigadzirisa pakukohwa. Jesu muridzi wenyika inogara maKristu ari kuti, “Kana muchigara mandiri, nemashoko angu achigara mamuri, kumbirai zvamunoda muchazviitirwa.” Vapoteri nevatorwa vakahwanda munyika inonzi Jesu – hamuna chamunowana munaJesu kana musina kurasa hunhu, zvitupa, mutauro netsika dzenyika yamaimborarama mairi. Kuwana zvamunoda munaJesu hakubve pakunamatirwa nemuporofita, asi kunobva pakuti wave mugari wemunaJesu asisafunge zvekunyika yaakabva here.