Saturday, November 5, 2011

Mari naMwari

Mari kamwari kanopa manyemwe. Mari kamwari kanotsvaga kunamatwa, Kachisurudza nekusudurudza hunhu Kachipa hukama hwedu naMwari mavende!

Friday, August 5, 2011

Tsamba yauya nenhunzi


Ndakanzwa mumwe murimi achiti akanga achichengeta huku kumapurazi ari kunze kweguta. Akati iye pane nguva yaakatanga kuita dambudziko rekuti makava akanga ave kupota achiuya kuzoba huku dzake. Anoti akamboedza kugarira achiadzinga, asi zvaisakwanisika uti ange aripo nguva dzese. Asi anoti nerimwe zuva, akaona gava rakanga ratosvika muchivanze richinyahwaira kuenda kunoba huku. Anoti iye akanzwa hasha dzakanyanyisa zvekuti akati kugava riye, “Iwe! Mira ipapo, uri kuda kuitei? Ibva pano uye usadzoke zvakare!”

Gava riye zvechokwadi rakabva rafuratira rikatiza, asi kubva musi iwoyo zvichienda mberi, murimi uyu anoti haana kana gava rakazombodzoka kuzoba huku dzake. Zvinoshamisa handiti? Pane chinhu chakadzidzwa nemurimi uyu, “mhuka dzinonzwa kana ukataura nadzo.”

Ichokwadi kuti mhuka dzinonzwa zvatinotaura asi kungoti nguva zhinji isu sevanhu hatitaure nadzo, uye kana tichitaura nadzo, tinotaura matauriro asina kutenda kuti zvandataura mhuka iyi ichazvinzwa. Pane nyaya yaMusande Francis akasvika mune mumwe musha kuItari akawana vanhu vemo vatambudzwa zvikuru negava rakanga richidya vanhu zvese nezvipfuyo nekuti kwakanga kwaita nzara huru. Francis anonzi akaenda akanotsvaga gava riye, vanhu vachimutevera vachiti achaurayiwa. Asi paakapida musango, achibva asangana negava riye, anonzi pamberi pevanhu vese vakanga vamutevera, akati kugava, “Mukoma gava, ndinokurairai nezita raJesu kuti murege zvakaipa zvamuri kuita.” Gava rinonzi rakarara pasi. Francis akaramba achitaura naro kusvikira ati kugava, ngatibatane mawoko sechibvumirano chataita. Gava rinonzi rakasimudza gumbo raro rerudyi rikaisa muruwoko rwaFrancis.

Ndinoziva pakawanda pakataurwa nemhuka dzichiteerera. Nowa muBhaibheri akatuma njiva kunotarisa kuti mvura yapera here. Barami akarova dhongi rake rikataura kuti muri kundiroverei, handikwanise kufamba nekuti pamberi pangu pane mutumwa waMwari. Hove yakamedza Jona yakaudzwa kwekunomurutsira. Kana nemuwonde wakanga usingabereke wakatukwa naJesu, wakabva wawoma.

Neniwo sekuru vangu vakanga vane mbwa yavo yainzi Remandini yaitamba nevana sekunge yaive munhu, uye yaitumwa zvinhu ichiita nemazvo. Kana kufudza mombe yaifudza zvakanaka iri yega. Sekuru vangu vakanga zvakare vane mombe yavo yaiteerera yainzi Sarukazi. Sarukazi yaishevedzwa nezita youya kumba. Yaiti kana yasungwa pajoki, vaiiudza kuti iende kuchigayo, yaiita zvayaudzwa isina munhu.

Muhupenyu hwedu, tine zvinhu zvizhinji zvinoratidza hukuru hwaMwari, asi isu vanhu hatina han’ya nazvo. Tsamba yaPauro kuVaRoma 1:20 inoti “Nekuti kubvira pakusikwa kwenyika, izvo zvake zvisingaonekwe, iro simba rake risingaperi nehuMwari hwake, zvinoonekwa kwazvo, zvichizivikanwa pazvinhu zvakaitwa.”

Ngatimbomira kumhanyisa hurongwa hwedu sevanhu titarise kuti Mwari vari kuti kudii muhupenyu hwedu. Nhunzi chaiyo yakumhara inogona kunge ine tsamba yako yauri kufanirwa kuverenga. Inogona kunge yamhara pauri nekuti wazorwa tsvina yauri kufanirwa kugeza!

Saturday, July 2, 2011

Ndichakuroora nenzou, ndisashore runako rwako


Kana panotaurwa nyaya dzevaroyi nenyoka dzavo, iwe uchiwanikwa uchiteerera nekuda kuzivisisa nekunzwisisa, uchenjere kuti mauri munogona kunge mune mhodzi yahuroyi yakamirira kutumbuka. Uchenjere kuti kufarira kuteerera nyaya dzemapere, mazizi, rima, makuva nenyoka kunokuswededza muzvinhu izvozvo. Uchenjere kuti pauchazosangana nenyoka chaiyo inofamba, vamwe vanogona kukanuka vakatiza, asi iwe unenge uchida kunyatsoicherechedza nekuiyeva.

Nzeve inzenza! Nzeve dzakapusa sesadza rinodyiwa risingambotiza, nyangwe richizviona kuti riri kutopera. Nzeve dzinongobvuma kunzwa zvese zvese, nyangwe zvemanyepo. Dai nzeve dzakafanana nemaziso, waikwanisa kuti panotaurwa zvausingade kunzwa iwe udzivhare, zvino kufanana nemhuno, nzeve hadzivharike. Asi zvino kana nzeve dziri nzenza tongodzisiya here dzichitiendesa murufu? Todzisiya here dzichiudzwa zvemanyepo kuti, “Kana ukandida ndichakuroora nenzou, nekuti ndikakuroora nemombe ndashora runako rwako!”

Pane nguva dzatinorega vanhu vachitikwidza ndege dzemashanga, dzimwe dzacho dzichitobhururuka, asi dzozotidonhedza. Ndine vanhu vakawanda vandakanzwa vachisekenyedzwa nekuudzwa kuti pane dhiri rine mari, kana iwe ukadai ndinozokupinzawo mariri. Kune vanhu vanoshamisa, vanoti kana vachinge vanzwa panzi pachabuda mari svinu, havamirire kubvunza ari kuvaudza izvozvo kuti, “Sei wasarudza inini iwe une hama neshamwari dzakawanda?” Kazhinji kana tikanzi pane dhiri rekuti iwe ukandipa mari ichadzoka yawanda, vazhinji tinovhara maziso tomedza chirauro chemunhu ari kuredza nemanyepo uyu!

Kune vanhu vane zvipo zvekutaura, asi chipo chekutaura chinoda kuchenjererwa nekuti mukutaurisa mune dzimba zhinji dzekuti manyepo awane pekuroja. Kutaurisa kunopa mukana wekuti usazive pekumirira. Kutaurisa kunovhara pfungwa semuvharo wepoto kuti dzimbomira kufunga. Chenjerera vanhu vanotengesa, nekuti chavari kutsvaga imari, asi iwe wofunga kuti vari kundiudza zvakanakira chinhu chavari kunditengesera. Ibasa ravo kuti vatengese, zvekuti kana zvichireva kuti vakunyepere vachatokunyepera.

Ndati panotaurwa nyaya dzakarerekera kune zvimwe zvinhu, iwe ukawana nzeve dzako dzichifarira nekusekenyedzwa nenyaya idzodzo, ziva kuti uri pedyo nekupinda mazviri. Zvinhu zvizhinji zvinotanga nekuteerera usati wazvizama, nekuti paye paunenge uchiteerera, zvinenge zvichikuwaridzira mubhedha wekuti iwe urare. Imbocherechedza uone kuti zvinhu zvaunopedza nguva yakareba uchinzwa, zvinopedzisira zvave kuzivikanwa nemwoyo wako. Kana kubasa kwako kune munhu anofaririra kutaura nyaya dzekudhakwa, ukamusiya achikuparidzirai vhangeri rake rekwaakanga achinwira musi weMugovera neSvondo, uchaona kuti nyaya dzake dzichatanga kuwana nzvimbo mamuri.

Satani akasvika kunaEvha nemashoko. Dai Evha akanga ane nzeve dzisiri nzenza sesu tese, dai akati kunyoka, “Kubvira riinhi iwe uchitsanangura mashoko akataurwa naMwari? Ibva pano kana kuti ini ndave kushevedza Adhamu naMwari.” Asi kufanana neni newe, Evha akasiya nyoka ichimuvhurira DSTV yekutadza nekufa, Evha akafadzwa nayo. Izvi zvakaitika kare kare, asi tinoona kuti Satani haashandure mashandiro ake. Jesu apedza kutsanya, Satani akasvika zvakare nemashoko ekuti nzeve dzaJesu dzinzwe. Satani akatanga kuvimbisa Jesu hushe hwepanyika pano nefashoni yese, nemari yese, nekudya kwese, nemota dzese, netekinoloji yese – kana Jesu akange amunamata. Asi nekuti Jesu aiziva kuti mukunzwa mashoko aSatani, nekuzoratidzwa “bling bling!” yese, paive nerufu rwakavanzwa muzvinhu izvi. Saka Jesu akati kuna Satani, “Ibva kwandiri…” Dai neniwo ndagona kuramba kuteerera mashoko evanotsvaga kunditengesera zvinhu zviri munyika. Dai nzeve dzangu nemwoyo wangu zvaramba chipfambi nenyika nezvinhu zvayo. Ko munhu achagobatsirwa neiko kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?

Thursday, March 31, 2011

Did you?


"The Bible doesn't teach you to follow rules. It is a picture of Jesus. While words may tell you what God is like and even what he may want from you, you cannot do any of it on your own. Life and living is in him and no other. My goodness, you didn't think you could live the righteousness of God on your own, did you?"
From The Shack by William P. Young

Thursday, March 3, 2011

Everything kills


Everything kills.
Smoking kills,
Drinking kills,
Working kills,
Studying kills,
Sex kills,
Ignorance kills, and
So does knowledge.

Freedom and stardom,
Boredom and other doms also kill.

Democracy kills
Fast foods kill
Anorexia kills
But Coke is life,
And life kills.

Only Jesus saves.

Wednesday, February 9, 2011

Ndafa Here? Question


Paradzai Kateitei asked:
Afta reading ndafa here ? I asked why the title Ndafa here? Were u
trying to point out that sometime it is beta to die than live if we
are analysing Betty's life and why did it take Betty to realise that
she was not loved? Someone said you portrait women sevanhu vakapusa
than vakashinga . She argue that there was nothing chekushingirira pa
WATI as it was evident that akanga asingadiwe ."iwe hure iwe vhura
apo...." on thd whole page if u read it there is clear indication that
there was nothing chekutsungirira. Coming back to the 1st chapter
Bakwa remazwa were there people who were pushing you to publish this
before u were thru.

Mhinduro yangu:
Interesting views but how many women out there are with men who don't
love them? Women tend to find reasons to stick it up with their
abusive spouses because naturally they are patient and they do not
want the world to point fingers at them and say you made the wrong
choice. If a man changes wives, who cares it's good for him but once a
woman decides to do that she gets suspicious stares, most people tend
to think she is gonna be a prostitute or somebody's smallhouse. They
stay hoping to salvage something out of the relationship, not
necessarily material but an emotional connection.
Sometimes we wait for a spouse to change but rarely do people change,
they can make a effort but when the spark is gone, it's gone. In a
way Betty is a victim in many ways so was Watson, sometimes people
tend to suffocate their children by demanding more and more. Can
parents out there learn to let go? Watson never got an opportunity to
love Betty without other people sniffing around and snidding. Betty
knew that there was no love lost she was desperate and her background
orphan) compounded her situation. For a woman to be able to escape
successfully, she needs an education but she had not finished her
degree program. I don't think Ndafa here? Portrays women sevanhu
vakapusa, manipulative would be my word for the team at Wat's place
and resilient for Betty. I wonder how she didn't suffer a mental
breakdown when everything, everybody seemed so against her and tezvara saw easy prey.

Monday, February 7, 2011

Ndafa Here?


Nyasha Manyame akati: Mubvunzo mukuru wandiinawo, kukodzera kunoita musoro webhuku uye rinotiudzei nezveupenyu zvikuru wevanhukadzi. Maita basa ndine mufaro mukuru kunzwa kwamuri.

Mhinduro yangu
Musoro webhuku Ndafa Here? mubvunzo. Mubvunzo uyu haudi mhinduro, mubvunzo watingati wesvoto. MuchiRungu musoro wekuti Ndafa Here? ungaturikirwa uchinzi So what? Uku kutaura kwaBetty akamirira madzimai ari kushungurudzwa kuti mungaite zvese zvamungaite kuti ndishaye mufaro nekugara zvakanaka, asi handife n'yore. Ndafa Here? mubvunzo unobvunzwa nemunhu ararama pamatambudziko, achiine simba rekutarisana nenyika, rekuenderera mberi. Kazhinji vanhu vakasangana nenhamo dzakawanda vanogona kuwira pasi vobva vatadza kusimuka zvakare, asi Betty nyangwe zvake azvuzvurudzwa mumadhaka ehupenyu, tinoona kuti haakande mapfumo pasi. Munhu wese ane zvaanoedza kuita kuna Betty kusanganisira tsitsi dzine chitsotsi sedzavaTezvara vake. Nemamwe matauriro kubudikidza nekuti Ndafa Here? Betty ari kuratidza kuti mu "Die Hard" - uye kubudikidza neshamwari dzake, anowana simba rekutanga patsva. Saka musoro webhuku unobata mafungiro nemaonero aBetty panyaya dzekupona pakushungurudzwa.

Monday, January 31, 2011

Fighting God



When we have spent all night wrestling God,

Like Jacob, it is His touch that will conquer us.

When we are planning to kill Jesus like the Jews,

It is His death on the cross that will defeat us.

When like Peter we have not caught any fish all night,

It is His word that will fill our nets and tear them.


Ignatius Mabasa, 2011

Wednesday, January 19, 2011

Kombi Driver


The kombi driver, like the self-styled prophet is an urban legend and modern trickster. He is almost always angry and impatient and ready to break rules and manipulate situations. Both these guys are heroes and villains and very much a phenomenon of our desperation and entangled morals.

Monday, January 17, 2011

Madomasi



Semadomasi ari pamusika,

pane zvinhu zviviri zvinogona kuitika kwatiri:

Kutengwa kana kuora nekuraswa,

Kuwana denga kana kurishaya.

Thursday, January 13, 2011

Interview with a chair


You look old, tired and worn out.

Yes, I have been around for a while.

Doing what?

People sitting on me, and being pushed around.

Does it hurt?

No, people sitting on me have let me listen to their stories.

Must be very interesting!

Yeah, sometimes.

Did anybody not sit you?

Yes, some kids jumped on me and broke my leg.

I am sorry.

But one broken woman once knelt and rested her elbows on me and prayed.

She hugged me as she wept and prayed to God, and that was sweet.

Sunday, January 9, 2011

Nyika Yapera Wrong Time


My new Gospel Poetry CD is out. Here are some of the lines from the title track:


If the world ended while you were in the shower uchizuzuma
Would you tell Jesus to wait for you to dry yourself
To admire yourself in the mirror, to put on your Gucci perfume
Would you call a friend on your Nokia mobile phone
To tell them Pulp Fiction was a movie, but Jesus is real?
Would you instruct your bodyguards to protect you, call for extra security?
Would you tell Jesus you wanted to look good, to visit a salon and stun the angels?
If the world ended as you tried your wedding gown, your wedding ring…wedding day…wedding day
Would you say to Jesus – come back next year because now is a wrong time?

Ngwanda-ngwanda, ngondo-ngondo, zhokoto-zhii-i
Ndege, masatellites nezvamakaturika zvichadonha sematamba
Newe hwindi mukombi umo nyika ichapera uchideedzera kuti
One ari kumhanya kana ari kumhanyiswa, asi ziva kuti newewo uchamhanya
Hwindi, wakarembera padoor, uchituka vabereki vasina yakachinjika,
Jesu obva aburuka, achiuuya nechenji chaiyo, kuti newewo uchibhadhara.
Hwindi, nyika kupera uchitiza roadblock, ziva kuti roadblock yaJesu haitizike
Jesu achiburuka mumakore, hwamanda ichirira, radio yemukombi ichadzima, nekombi yacho ichanyarara, nemasoja achabva paattention, achadonhedza pfuti
Hwindi kana Jesu auya, uchakwana pasi pekombi yekuMfombi
Hwindi, handisi kukuwachisa, asi ayina hunhu hwako utsvage Jesu

Nyika yongoerekana yapera muri kumakuva kunoviga mufi
Iye mufi obva arova bhokisi ari mukati kuti dhu-dhu-dhu
Achidaidzira kuti ndivhurireiwo ndibude mucoffin muri kupisa
Nevakafa vese votanga kumuka mumakuva kuti vanotongwa waidii?
Nyika yoguma uri pabere, usina kupfeka uchienda kunoroya
Waikumbira kunotora hembe dzako here? Kunovharira bere rako?

Dai nyika yaingoyerekana yaguma izvozvi, nhasi, ipo pano
Iwe uri pakati pekugadzwa kuti uve mambo, MP kana shefu
Nyika kupera uri pakati pekupiwa simba, pekupuromotwa
Nyika yongoyerekana yaguma, zuva rodzima, shiri dzonyarara
Waikumbira here kuti umbotonga, umbodyawo, umbotyiwawo?
Uchiti, “But but Jesu, nyika yapera wrong time, ndisati ndamboluma…”
Dai nyika yaingoyerekana yapera, Jesu oburuka kubva mumakore
Would you tune in to CNN for the latest as it happens?


Ignatius T. Mabasa, 2010