Monday, February 7, 2011

Ndafa Here?


Nyasha Manyame akati: Mubvunzo mukuru wandiinawo, kukodzera kunoita musoro webhuku uye rinotiudzei nezveupenyu zvikuru wevanhukadzi. Maita basa ndine mufaro mukuru kunzwa kwamuri.

Mhinduro yangu
Musoro webhuku Ndafa Here? mubvunzo. Mubvunzo uyu haudi mhinduro, mubvunzo watingati wesvoto. MuchiRungu musoro wekuti Ndafa Here? ungaturikirwa uchinzi So what? Uku kutaura kwaBetty akamirira madzimai ari kushungurudzwa kuti mungaite zvese zvamungaite kuti ndishaye mufaro nekugara zvakanaka, asi handife n'yore. Ndafa Here? mubvunzo unobvunzwa nemunhu ararama pamatambudziko, achiine simba rekutarisana nenyika, rekuenderera mberi. Kazhinji vanhu vakasangana nenhamo dzakawanda vanogona kuwira pasi vobva vatadza kusimuka zvakare, asi Betty nyangwe zvake azvuzvurudzwa mumadhaka ehupenyu, tinoona kuti haakande mapfumo pasi. Munhu wese ane zvaanoedza kuita kuna Betty kusanganisira tsitsi dzine chitsotsi sedzavaTezvara vake. Nemamwe matauriro kubudikidza nekuti Ndafa Here? Betty ari kuratidza kuti mu "Die Hard" - uye kubudikidza neshamwari dzake, anowana simba rekutanga patsva. Saka musoro webhuku unobata mafungiro nemaonero aBetty panyaya dzekupona pakushungurudzwa.

No comments:

Post a Comment