Friday, December 31, 2010

Helicopter nest


Until the helicopter learns to perch like a bird,

Until the helicopter can build itself a nest and

Silently fly like the dragonfly, no fuel and fumes,

I will worship the Lord God of heaven

The maker of non-artficial intelligence.

Thursday, December 9, 2010

Mavaonaka vanhu venyu vemachechi!


Ndinoshamiswa nevanhu vanofara kunge poto isina muvharo iri kufashaira kana vakanzwa kuti munhu waMwari atadza, zvikuru kana abatwa nenyaya dzehupombwe. Nezuro ndakave nekusuwa ndichiverenga nyaya yaPastor Philemon Banda akadanana nemukadzi wemuchechi make aitsvaga kubatsirwa. Banda akapa chikonzero kuvanhu vagara vachitsvaga chikonzero chekusanamata Mwari. Vanhu vagara vasingade kunamata Mwari kana vaverenga nyaya yakadai vanobva vati, “Mavaonaka vanhu venyu vemachechi, saka ini ndisinganamate zvangu.” Asi tinokanganwa kuti Jesu akati, “Kana pane asina chivi pakati penyu ngaatange kupotsera dombo!”

Handisi kupembedza zvakaitwa naBanda kwete, asi ndinonzwa tsitsi. Ichokwadi Banda semwana waMwari aifanirwa kuteerera Mweya Mutsvene kuti umudzore. Asi kutadza kwaBanda hazvireve kuti chechi dzese dzatadza. Kunamata Mwari hakusi kwekuti vana nhingi vari kuita sei. Kana tichitendeuka, tinotendeuka sevanhu vakazvimiririra, kwete sechechi. Kuchechi tinoenda kunowadzana, kunokurudzirana tichisimbisana nekunamata tiri pamwe chete. Asi hazvireve kuti tine chinangwa chimwe chete tese, kana kuti tave vatsvene vasingatadze nekuda kwekuti tiri vanhu vakaberekwa nembereko yezvivi. Kutadza kuri matiri sevanhu. Asi kutadza zvakuri matiri, hazvireve kuti torega kutiza zvakaipa saJosefa achitiza mukadzi waPotifa.

Mukabvunza Banda, anokuudzai kuti zvakanaka anozviziva uye zvakaipa anozviziva, asi akavarairwa. Ndicho chikonzero chinoita kuti Bhaibheri riti, “Svinurai murinde…” Kunamata ihondo. Ndicho chikonzero chinoita kuti Pauro ati, “Torai nhumbi dzekurwa nadzo.” Banda akabatwa nehope achidhiraivha bhazi rizere nevanhu. Banda akagadzika nhumbi dzake dzekurwa nadzo pasi, dzichibva dzabiwa, iye achibva akundwa! Asi kukundwa kwaBanda nechivi hakusi kwekutanga kana kwekupedzisira muhupenyu hwevanhu. Nyaya iripo ndeyekuti zvawakundwa ukarasirwa kure naMwari wodii? Woramba wakarara mumarara here? Kusvikira riinhi?

Tuesday, December 7, 2010

Merry Christmas from a donkey


Hear and listen to me, Balaam’s donkey speaking again,
You ask me what kind of presents we exchange for Christmas, but
We don’t have presents to exchange and Santa doesn’t come our way.
And we don’t have unwanted presents that end up in thrift shops,
And we don’t have thrift shops. What we have is all we have.
Thrift is our lives, thrift is our food and Santa doesn’t come our way!

Santa doesn’t come our way because we got no chimneys, and
When Jesus finds no room at the inn, no room in your malls
No room in your cakes, carols, calories, candy and Christmas,
No room in your presents he will join us here in the manger.
And Santa doesn’t come here to smell dung and hay, ho ho ho!
Merry Christmas, we got the best present here at the manger!

Monday, December 6, 2010

Kutiza mukadzi, kutiza bonde!


Kutiza kuri pakawanda. Pane kutiza nekuti waudzwa kuti utize, kufanana nemukadzi waRoti mubhaibheri. Kana ukatiza nekuti waudzwa kuti utize, unogona kurwadziwa nekusiya zvauri kutiza, ipapo unobva wati rega ndimbocheuka ndione kekupedzisira, kuti ndigozoudzawo vamwe kuti ndakatiza zvangu asi....

Pane kutiza kwekutya kwakafanana nekwaEriya achitiza Jezebheri. Kutiza uchikanganwa kuti Mwari vanewe uye vatobva mukukukundisa! Asi kutiza kwakaoma ndekwaJosefa achitiza mukadzi waPotifa. Josefa paaitiza mukadzi waPotifa akanga achida kuti arare naye, akatiza zvekusiya chipenga chehembe yake. Asi pane vamwe vanoti, dai mukadzi waPotifa akandizama ini!

Bonde remukadzi waPotifa ringasekenyedze, asi rine rufu. Nekuti kana wabvuma zvinoda mukadzi wemuRungu wako, hazviperere pamazviitira. Muchabatwa chete nekuti rudo rwekuba rwunonetsa kuvanza semunhu anaiwa nemvura ari kuchururuka! Muchabatwa chete nekuti hakuna mashizha anoramba ari mumuti kana nguva yekudonha yakwana!