Monday, December 6, 2010

Kutiza mukadzi, kutiza bonde!


Kutiza kuri pakawanda. Pane kutiza nekuti waudzwa kuti utize, kufanana nemukadzi waRoti mubhaibheri. Kana ukatiza nekuti waudzwa kuti utize, unogona kurwadziwa nekusiya zvauri kutiza, ipapo unobva wati rega ndimbocheuka ndione kekupedzisira, kuti ndigozoudzawo vamwe kuti ndakatiza zvangu asi....

Pane kutiza kwekutya kwakafanana nekwaEriya achitiza Jezebheri. Kutiza uchikanganwa kuti Mwari vanewe uye vatobva mukukukundisa! Asi kutiza kwakaoma ndekwaJosefa achitiza mukadzi waPotifa. Josefa paaitiza mukadzi waPotifa akanga achida kuti arare naye, akatiza zvekusiya chipenga chehembe yake. Asi pane vamwe vanoti, dai mukadzi waPotifa akandizama ini!

Bonde remukadzi waPotifa ringasekenyedze, asi rine rufu. Nekuti kana wabvuma zvinoda mukadzi wemuRungu wako, hazviperere pamazviitira. Muchabatwa chete nekuti rudo rwekuba rwunonetsa kuvanza semunhu anaiwa nemvura ari kuchururuka! Muchabatwa chete nekuti hakuna mashizha anoramba ari mumuti kana nguva yekudonha yakwana!

2 comments: