Sunday, April 29, 2012

Ndakaregereswa doro nembwa

Nyaya yekuda doro kudarika mukadzi wangu nevana yakazondiparira. Ndakaregera doro, asi chakandiregeresa doro imbwa. Ndichiri kuyeuka kuti ndakanga ndashaudha mukadzi wangu nekuda kuita mupurisa wangu. Mukadzi wangu akanga ave kunditadzisa kunwa doro rangu ndakasununguka. Kuitawo here ikoko, kuti pano nepano message yapinda mufoni, “Muri kuuya nguvai?” kana kuti, “Muri kubvunzwa nemwana kuti muchasvika nguvai?” Ko ndini here ndine makey ehope dzavo? Mukadzi wangu akazopedzisira anyarara, aona kuti nyaya yekuti ndirambane nedoro haiite. After all iye ndiye mainini vakazouya mushure. Ini ndakatanga kuda doro, ndikatochata nedoro iye akazouya mumashure. Handiti kana pandakamunyenga ndakanga ndakadhakwa, ndichitobatsirwa nedoro, saka chii chingazoita kuti ndimborega kunwa doro iro riri iro peturu neshamwari yangu? Rimwe zuva mudzimai wangu akati, “MuRungu watinoshanda naye ave kudzokera kunyika kwake, saka ari kutengesa zvinhu.” Takaenda tese kunoona zvinhu zvaitengeswa nemuRungu, tikatenga izvo nezvozvo. Asi tapedza kutenga, nekuti ini ndakanga ndakamirirwa naMaiguru Doro, ndakasiya mudzimai wangu achironga zvekutakura zvinhu kuti zviende kumba. Musi uyu waive musi weChishanu. Chishanu ndiro zuva chairo rekudhakwa nekuti unoziva kuti uneMugovera neSvondo uchifadzwa nedoro. Nemusi weChishanu uyu, ndakazosvika kumba kuma11 husiku. Ndakawana mhuri yese yarara. Ndakapinda mukicheni, ndikatambirwa nembwa chena, yakanaka. Ndakashamisika kuti ndakaona runako rwembwa iyi, nekuti nguva zhinji handione runako rwezvinhu zvine makumbo mana kunze kwekunge iri motokari. Ndakashaya kuti imbwa iyi yakanga yabva kupi. Kana nedoro randakanga ndanwa rakambopera zvishoma. Ndakati, asi ndapinda mumba musirimo? Nekuti kunze kwembwa, mumba medu makanga marongedzwa patsva nezvinhu zviye zvakanga zvatengwa kumuRungu. Imbwa iye yakanga ichindifarira, asi ini ndakanga ndisiri kuda kuti iswedere pedyo neni. Saka ndakafambisa ndichiisiya kumashure ndichienda kubhedhurumu. Ndakasvikomutsa mudzimai wangu ndikati, “Iwe, imbwa iyo ndeyani uye iri kudei mumba?” Mudzimai wangu akati, “Maswera sei daddy? Imbwa taipihwa naMargaret kumuRungu kuye kwatatenga zvinhu. Vana venyu vari kuifarira chaizvo uye inotamba navo zvakanaka. Yakatireinwa chaizvo.” Ndakatura befu ndikati, “Asi handidi kuti igare mumba. Mutenge chimba chembwa, imbwa yenyu igare nekurara panze.” Zuva rakatevera, uri musi weMugovera ndakaenda zvangu kunonwa ndikasiya mudzimai nevana vachifara nembwa yavo Ranger. Kutaura chokwadi, ndakanzwa jerasi nekuti ndakaona sekuti vakanga vachida imbwa kundidarika. Ndakati rega ndigoona kuti zvinopera sei. Ndakanohunwa chaizvo zvekuti kana boys dzangu dzakanga dzave kundityira kuti ndichakwanisa kudhiraivha mota ndikasvika kumba zvakanaka here. Asi ndakadhiraivha, ndikasvika kumba. Ndasvika pamba, ndakabuda mumota kuti ndinovhura gedhi. Ndakavhura gedhi, ndichibva ndadzokera mumota. Chandisina kuziva ndechekuti pandakavhura door remota, Ranger, imbwa yemuRungu iye yakanga yanopinda mumota nedoor rangu radhiraivha randakanga ndasiya rakashama, ikanogara kumashure kwemota. Ndizvo zvayakanga yajaira kumba kwayo. Saka ini ndakapinda mumota ndikasimudza mota kuti ndiipinze mukati. Mota yapinda mukati, ndakatsika mabhureki kuti ndichidzokera kunovhara gedhi. Asi ndakatsikisa mabhureki zvekuti kana neniwo ndakasaidzirwa kumberi nesimba remota. Ipapo, Ranger yakanga yakagara kusiti rekumashure, yakasaidzirwa kumberi ikasvikowira pamakumbo angu ichichema. Ini semunhu akanga achifunga kuti ndiri ndega mumota, ndakarohwa nehana zvekuti ndakaridza mhere ndichitiza kubva mumota makanga mapinda “chinhu.” Ndakangobuda ndichimhanya nemugwagwa ndichibararadza zvekuti vanhu vazhinji vakamuka vachifunga kuti ndiri kurwiswa nematsotsi. Asi chakazoita kuti ndifende ndechekuti, pandakabuda ndichitiza nemugwagwa, chinhu chandakanga ndichitiza chiye, chakatanga kunditevera chichindimhanyisa. Ipapo ndakabva ndangofenda. Pandakazomuka ndave mumba, vanhu vachinditsanangurira zvakanga zvaitika, ndakanyara kudarika imbwa yaKapfupi yakwira bhazi. Ndakabva ndaregera kunwa doro. Ranger ndiyo yave shamwari yangu, uye ndave kuwana nguva yekutandara nevana nemudzimai wangu.

I owe God $666.41c

I owe God $666.41c
And lots more money.
I owe God a lot.
I owe Him love
I owe Him life
I owe Him the truth
I owe God explanations
And confessions for sins
And apologies for pride
And for wanting to steal his Glory!