Tuesday, September 15, 2015

Kubuda muzama uchinge mombe yavhiyiwa

Kana uchiziva zvaunoziva, ini ndisingazive zvacho zvaunoziva, hazvireve kuti iwe unoziva kundidarika.

Kana ndikafoira zvawabvunza, ndikabuda muzama ndichinge mombe yavhiyiwa ganda iri mhenyu, hazvireve kuti handina chandinoziva, nekuti kuziva hakusi kwemubhuku nebvunzo nemaprofessor chete.

Kune vanonzi nevanoona nezvekuziva vanoziva, zvotiwo vamwe vanonzi havana chavanoziva. Asika, kuziva hakuna saizi sehembe, kuziva hakuna kwepamusoro-soro sendege iri kubhururuka.

Nekuti pakuziva kwake kuti ndiye mambo, Nebuchanezzar haana kuziva kuti mambo anogona kufura pamwe chete nemombe.

Wednesday, May 6, 2015

Sei uchinyepa kudaro?

Sei uchinyepa kudaro?

Sei uchiti hazvisi kufamba,

Asi iyo nyika ichitenderera?

Sei uchiti hazvisi kufaya,

Iro zuva richipisa sezvariri kuita?

Usati zviri kufamba mbhichana,

Nekuti mbhichana kutori kuenda,

Bvunza Zongororo, Rwaivhi, Kamba naHozhwa

Kumhanya ndekweInternet fibre downloads

Kwemunhu kunonetesa nekuchembedza,

Kunze kwekunge uchimhanyiswa naMwari saFiripi,

Kumhanya saEriya zvekusiya ngoro yemabhiza aAhab.

Ichokwadi vanomirira Jehovha vanopihwa simba idzva…..

© Ignatius T. Mabasa, 2015

Wednesday, February 11, 2015

Ndatsva mukanwa, ndifuridzewo!

Ndakanga ndisingambozvibvuma kuti chokwadi ndakanga ndiri mumwe wevanhu vatatu vakanga vatorwa kuti vatange basa pakambani yeKing and Queen. Nyangwe zvazvo basa redu rakanga riri remasvondo matatu, mari yacho yakanga yakanaka uye ndakanga ndichitarisirawo kuti ndigotengawo foni inoenda paWhatsApp, hembe, bhutsu nemabhachi kuMupedzanhamo. Ndaironga zvizhinji nemari yangu. Ndaidawo kuzotengera amai vangu gumbeze nekuti vakanga vachindichengeta ndiri rovha vasingamboratidza kuneta. Ndivo vakanga vandiendesa kuUniversity kuti ndisvike pandakanga ndasvika.

PaKing and Queen takapinda tiri vakomana vaviri nemusikana mumwe chete. Mazuva matatu ekutanga takanga tisina nyaya nekuti basa raifanirwa kufamba, uye taitya kuti ukangotanga nekutaura unogona kuburitswa basa rikatopihwa mumwe munhu. Takashanda semadhongi zvekuti kana muridzi wekambani akafara nesu akatitengera lunch yesadza nenyama mumwe musi. Tichidya sadza nenyama takagara pamacheya aive panze, musikana wataishanda naye uye akaramba akanditarisa zvakandiita kuti ndinzwe kakutsva. Paakazondinyemwerera, ndakabva ndaguta sadza nenyama. Ndakanzwa chiuno changu chave kumakumbo, kwete nekuti ndakanga ndadhakwa. Ndakanga ndakafanana nakipa mumutambo webhora ashaya bhora akazongoona mambure ave kugutsurira uye nhandare yese yati dzvamu, ichiita ruzha rwekupemberera.

Alice akakwachura musiwo wemwoyo wangu ndikasara ndisisina chekuuvharisa kuti zvisaonekwe kuti ndapepetwa ndikapeperetswa serara nemhepo. Takazoshanda zvedu asi, ini mwoyo wangu wakanga wanyungudika kare naAlice. Ndakamubvunza kwaaigara, akanditi kuZengeza 4. Ndakamuperekedza rimwe zuva ndikamusiya akwira kombi. Rimwe zuva akanonoka kubasa, ndikazonzwa achikumbira ruregerero kuna foromani wedu achiti mota yake yakanga yaponja vhiri. Handina kuda kumubvunza kuti mota aive aiwana kupi, asi ndakangoita manyemwe ekuti musikana wandaida akanga ane mota.

Musi watakapedza basa, takaverengerwa mari dzedu. Yangu ndakaitambira ndichibvunda. Ndakanga ndisati ndambobatawo $300 yangu pachezvangu. Ndakanetseka nepekuichengetera mari iyi. Ndakamboiisa muhomwe, ndikaburitsa, ndikaiisa mumasokisi, ndikaibvisa. Ndakaiisa muhomwe yebhurugwa randaive ndakapfeka mukati, asi ndaingopota ndichiitarisa kuti ndione kana ikasadonha. Alice akazviona kuti ndiri kunetseka nemari yangu, achibva ati, “Bernard, ndauya nemota, ndinogona kukuperekedza kumba kana uchitya kubirwa.” Ndakanzwa manyemwe anenge ahwindi anzi ambodhiraivhawo.

Ndakapinda mumota yaAlice yakasviba magirazi. Yaiita kunge ndege mukati mayo. Mainhuhwirira pefiyumu yemhando yepamusoro. Ndakaona mwanasikana ave kukama musoro wake, achibva apfeka magirazi ake, ndokuisa lipstick tsvuku pamuromo. Akabva ananzvira achibva ati, “Benny, ndiri kuda kutenga chicken ndisati ndakuendesa kumba.” Ndakanzwa kuti ndipo pandakanga ndichifanirwawo kuwana chandingaite, saka ndakabva ndati, “Taura zvauri kuda ndikutengere.” Ndakabva ndabuda mumota yaAlice ndichizvikakanyadza ndoenda paChicken Slice. Ndakatenga huku yangu nehuku yake nezvekunwa. Ndadzokera mumota, Alice akanditenda achindibata ruoko rwangu. Ndakamerera. Takabva tatanga kudya. Alice angoti rume nyama yake, akabva ashama akati, “Benny ndatsva mukanwa nenyama, ndifuridzewo.”

Ndakadya nyama yaive mukanwa maAlice, iye akandidya mari yese yandakanga ndashanda. Ndiri kunzwa amai vangu vachikosora nekuda kwechando mumba mavo. Ndiri kunamata kuti dai ndikawana rimwe basa ndogovatengera gumbeze. Ichokwadi chakataurwa naJesu kuti Mweya ndiye anoraramisa, nyama haina maturo!

Thursday, February 20, 2014

Handisi Imbwa yemunhu

Izvi ndizvo zvandaida kutaura pandakapihwa mubairo webhuku rangu Imbwa yemunhu kuNAMA, asi ndakazodzoka ndopererwa nezvekutaura.

Zvinopera hazvipere kupera.

Unogona kupererwa nemashoko seni kuNAMA,

Nekuti Imbwa yasimudza mukombe...

Unogona kupererwa nehupfu,

Ugopererwa nehope nyangwe une magumbze.

Kana zvadaro,

Mazano ese anopera semvura yekanzuru,

Zvekuti kana newe wacho unopererwa!

Asi nyangwe wapererwa zvekushaya njere,

Usapererwe naMwari nehunhu,

Zvekusvika pakunzi Imbwa yemunhu!

Sunday, November 11, 2012

Wakahwinha

Wakahwinha nezuro nenharo,

Pawakashama muromo semvuu.

Wakahwinha sarudzo,

Ukahwinha hondo.

Wakahwinha kusadzosera chenji,

Ukahwinha kunyepedzera kukanganwa.

Wakahwinha zvigaro,

Asi denga ucharihwinha here?