Tuesday, September 15, 2015

Kubuda muzama uchinge mombe yavhiyiwa

Kana uchiziva zvaunoziva, ini ndisingazive zvacho zvaunoziva, hazvireve kuti iwe unoziva kundidarika.

Kana ndikafoira zvawabvunza, ndikabuda muzama ndichinge mombe yavhiyiwa ganda iri mhenyu, hazvireve kuti handina chandinoziva, nekuti kuziva hakusi kwemubhuku nebvunzo nemaprofessor chete.

Kune vanonzi nevanoona nezvekuziva vanoziva, zvotiwo vamwe vanonzi havana chavanoziva. Asika, kuziva hakuna saizi sehembe, kuziva hakuna kwepamusoro-soro sendege iri kubhururuka.

Nekuti pakuziva kwake kuti ndiye mambo, Nebuchanezzar haana kuziva kuti mambo anogona kufura pamwe chete nemombe.

No comments:

Post a Comment