Thursday, December 9, 2010

Mavaonaka vanhu venyu vemachechi!


Ndinoshamiswa nevanhu vanofara kunge poto isina muvharo iri kufashaira kana vakanzwa kuti munhu waMwari atadza, zvikuru kana abatwa nenyaya dzehupombwe. Nezuro ndakave nekusuwa ndichiverenga nyaya yaPastor Philemon Banda akadanana nemukadzi wemuchechi make aitsvaga kubatsirwa. Banda akapa chikonzero kuvanhu vagara vachitsvaga chikonzero chekusanamata Mwari. Vanhu vagara vasingade kunamata Mwari kana vaverenga nyaya yakadai vanobva vati, “Mavaonaka vanhu venyu vemachechi, saka ini ndisinganamate zvangu.” Asi tinokanganwa kuti Jesu akati, “Kana pane asina chivi pakati penyu ngaatange kupotsera dombo!”

Handisi kupembedza zvakaitwa naBanda kwete, asi ndinonzwa tsitsi. Ichokwadi Banda semwana waMwari aifanirwa kuteerera Mweya Mutsvene kuti umudzore. Asi kutadza kwaBanda hazvireve kuti chechi dzese dzatadza. Kunamata Mwari hakusi kwekuti vana nhingi vari kuita sei. Kana tichitendeuka, tinotendeuka sevanhu vakazvimiririra, kwete sechechi. Kuchechi tinoenda kunowadzana, kunokurudzirana tichisimbisana nekunamata tiri pamwe chete. Asi hazvireve kuti tine chinangwa chimwe chete tese, kana kuti tave vatsvene vasingatadze nekuda kwekuti tiri vanhu vakaberekwa nembereko yezvivi. Kutadza kuri matiri sevanhu. Asi kutadza zvakuri matiri, hazvireve kuti torega kutiza zvakaipa saJosefa achitiza mukadzi waPotifa.

Mukabvunza Banda, anokuudzai kuti zvakanaka anozviziva uye zvakaipa anozviziva, asi akavarairwa. Ndicho chikonzero chinoita kuti Bhaibheri riti, “Svinurai murinde…” Kunamata ihondo. Ndicho chikonzero chinoita kuti Pauro ati, “Torai nhumbi dzekurwa nadzo.” Banda akabatwa nehope achidhiraivha bhazi rizere nevanhu. Banda akagadzika nhumbi dzake dzekurwa nadzo pasi, dzichibva dzabiwa, iye achibva akundwa! Asi kukundwa kwaBanda nechivi hakusi kwekutanga kana kwekupedzisira muhupenyu hwevanhu. Nyaya iripo ndeyekuti zvawakundwa ukarasirwa kure naMwari wodii? Woramba wakarara mumarara here? Kusvikira riinhi?

1 comment:

  1. Please read this

    http://divineradiancefellowship.blogspot.com/2010/07/spiritual-affirmations.html

    ReplyDelete