Saturday, July 2, 2011

Ndichakuroora nenzou, ndisashore runako rwako


Kana panotaurwa nyaya dzevaroyi nenyoka dzavo, iwe uchiwanikwa uchiteerera nekuda kuzivisisa nekunzwisisa, uchenjere kuti mauri munogona kunge mune mhodzi yahuroyi yakamirira kutumbuka. Uchenjere kuti kufarira kuteerera nyaya dzemapere, mazizi, rima, makuva nenyoka kunokuswededza muzvinhu izvozvo. Uchenjere kuti pauchazosangana nenyoka chaiyo inofamba, vamwe vanogona kukanuka vakatiza, asi iwe unenge uchida kunyatsoicherechedza nekuiyeva.

Nzeve inzenza! Nzeve dzakapusa sesadza rinodyiwa risingambotiza, nyangwe richizviona kuti riri kutopera. Nzeve dzinongobvuma kunzwa zvese zvese, nyangwe zvemanyepo. Dai nzeve dzakafanana nemaziso, waikwanisa kuti panotaurwa zvausingade kunzwa iwe udzivhare, zvino kufanana nemhuno, nzeve hadzivharike. Asi zvino kana nzeve dziri nzenza tongodzisiya here dzichitiendesa murufu? Todzisiya here dzichiudzwa zvemanyepo kuti, “Kana ukandida ndichakuroora nenzou, nekuti ndikakuroora nemombe ndashora runako rwako!”

Pane nguva dzatinorega vanhu vachitikwidza ndege dzemashanga, dzimwe dzacho dzichitobhururuka, asi dzozotidonhedza. Ndine vanhu vakawanda vandakanzwa vachisekenyedzwa nekuudzwa kuti pane dhiri rine mari, kana iwe ukadai ndinozokupinzawo mariri. Kune vanhu vanoshamisa, vanoti kana vachinge vanzwa panzi pachabuda mari svinu, havamirire kubvunza ari kuvaudza izvozvo kuti, “Sei wasarudza inini iwe une hama neshamwari dzakawanda?” Kazhinji kana tikanzi pane dhiri rekuti iwe ukandipa mari ichadzoka yawanda, vazhinji tinovhara maziso tomedza chirauro chemunhu ari kuredza nemanyepo uyu!

Kune vanhu vane zvipo zvekutaura, asi chipo chekutaura chinoda kuchenjererwa nekuti mukutaurisa mune dzimba zhinji dzekuti manyepo awane pekuroja. Kutaurisa kunopa mukana wekuti usazive pekumirira. Kutaurisa kunovhara pfungwa semuvharo wepoto kuti dzimbomira kufunga. Chenjerera vanhu vanotengesa, nekuti chavari kutsvaga imari, asi iwe wofunga kuti vari kundiudza zvakanakira chinhu chavari kunditengesera. Ibasa ravo kuti vatengese, zvekuti kana zvichireva kuti vakunyepere vachatokunyepera.

Ndati panotaurwa nyaya dzakarerekera kune zvimwe zvinhu, iwe ukawana nzeve dzako dzichifarira nekusekenyedzwa nenyaya idzodzo, ziva kuti uri pedyo nekupinda mazviri. Zvinhu zvizhinji zvinotanga nekuteerera usati wazvizama, nekuti paye paunenge uchiteerera, zvinenge zvichikuwaridzira mubhedha wekuti iwe urare. Imbocherechedza uone kuti zvinhu zvaunopedza nguva yakareba uchinzwa, zvinopedzisira zvave kuzivikanwa nemwoyo wako. Kana kubasa kwako kune munhu anofaririra kutaura nyaya dzekudhakwa, ukamusiya achikuparidzirai vhangeri rake rekwaakanga achinwira musi weMugovera neSvondo, uchaona kuti nyaya dzake dzichatanga kuwana nzvimbo mamuri.

Satani akasvika kunaEvha nemashoko. Dai Evha akanga ane nzeve dzisiri nzenza sesu tese, dai akati kunyoka, “Kubvira riinhi iwe uchitsanangura mashoko akataurwa naMwari? Ibva pano kana kuti ini ndave kushevedza Adhamu naMwari.” Asi kufanana neni newe, Evha akasiya nyoka ichimuvhurira DSTV yekutadza nekufa, Evha akafadzwa nayo. Izvi zvakaitika kare kare, asi tinoona kuti Satani haashandure mashandiro ake. Jesu apedza kutsanya, Satani akasvika zvakare nemashoko ekuti nzeve dzaJesu dzinzwe. Satani akatanga kuvimbisa Jesu hushe hwepanyika pano nefashoni yese, nemari yese, nekudya kwese, nemota dzese, netekinoloji yese – kana Jesu akange amunamata. Asi nekuti Jesu aiziva kuti mukunzwa mashoko aSatani, nekuzoratidzwa “bling bling!” yese, paive nerufu rwakavanzwa muzvinhu izvi. Saka Jesu akati kuna Satani, “Ibva kwandiri…” Dai neniwo ndagona kuramba kuteerera mashoko evanotsvaga kunditengesera zvinhu zviri munyika. Dai nzeve dzangu nemwoyo wangu zvaramba chipfambi nenyika nezvinhu zvayo. Ko munhu achagobatsirwa neiko kana awana nyika yese asi orasikirwa nehupenyu hwake?

1 comment:

  1. Hello Ignatius, how are you? Are you in Canada at the moment? Thanks for posting this on FB, it made me plunge into your writing again - I still have not read Ndafa here?, although it has been on my agenda for quite a while! So I have started and am enjoying it very much! You have a great talent. Are you working on any new books? All the best, Alena Rettova

    ReplyDelete